shoes lambada the poet

Wednesday, April 15, 2009


Detembo iri rakanyorwa naNyanduri ShoesLambada. Rakambonzwikwa ku House of Hunger Poetry Slam muHarare, Masvingo (Spirit of Great Zimbabwe Poetry Slam), Senegal, Dakar uyezve kuIndia nyangwe vazhinji vaisanzwa zvairehwa nedetembo iri. Dzimwe nguva rinombodetembwa nembira dzinoridwa nagwenyambira Takunda Mafika uyo anoridza nechikwata chake chinonzi Tru-Bantu.


TARIRO
Vanondiunzira mbuya Chiweshe chembere
Hunzi chembere mukadzi hazvienzani nokurara mugota
Vanondiunzira MaSibanda akaonda somutsvairo
Hunzi une ganda une nyama
Vanondiunzira MaMoyo anozikanwa nokuroya
Hunzi ko iwo makunguwo zvaakatya mangani akafa
Vanondiunzirazve Madhuve
Zigadzi zigobvu-gobvu zidema-dema rakanyangara zvinodzinga vapwere padare
Hunzi gudo kuipa kuipa haro asi haridyi chakafa choga.
Asi ndakati ndaredza yangu mbambande mwanasikana Tariro
Mutsvuku-tsvuku akatsvuka-tsvuka zviya zvokuda kusvika pakutosviba
Zvikanzi mukadzi mutsvuku akasaroya anoba
Guyu kutsvukira kunze mukati rina masvosve.

Tariro ana matama akakwenenzverwa semhenderekedzo dzengoda
Iro bvudzi rakati tsva tsva tsva
Pakake kasoro kakaumbwa Zame achangobva mukusvusvura
Ane meno akati chechetere sengoro dzechitima
Machena-chena akati mburetete
Seiya nduma yandakapa vatete
Vake vatete vaya vezwi dete-dete
Tariro ane chivakasure
Chinotyora mitsipa nokutarira sure

Tariro ndoda utondere
Ndoda utondere kuti unotapira setsvigiri
Kwete kuvava semhiripiri
Chiuyaka tifambidzane vamwe vari vaviri-vaviri
Ndoda utondere kuti hausi mukadzi wechipiri
Ndorangarira zuva riya tiri parwizi pataiva tiri
Ndoda utondere kuti wakakosha kudarika rengoro vhiri
Woregaka kuganza somukono wenjiri

Tariro mwanasikana tarira
Tariro mwanasikana tariro
Tariro mwanasikana Tariro
Tariro mwanasikana teerera
Ndichiteerera matauriro ako Tariro
Nakatarira yako hanzu ine mitaro mitaro tariro
Ndinonzwa kuturwa mutoro sendabuda mutirongo
Ndichitatarika-tatarika sendatorohwa netototo
Dai waiterwa mutero Tariro
Ndaitera mitero mitatu zvakapetwa katanhatu
Ndoteterera kuna tateguru
Ndiine tariro yokuti tichava nokusingaperi tose Tariro
Tariro mwanasikana tarira
Tariro mwanasikana tariro
Tariro mwanasikana Tariro
Tariro mwanasikana teerera

No comments: